Romans 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ʋanoratidza ɓasa romurairo wakanyorwa mumŋoyo yaʋo, hana yaʋo icipupura pamŋe cete naɀo, neɀaʋanofuŋga pakati paʋo ɀiciʋapa mhoȿa kana kuʋapembedza;)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanoratidza kuti zvinodiwa nomutemo zvakanyorwa mumwoyo yavo. Hana dzavowo dzinovatsigira nokuvapupurira izvozvo. Pfungwa dzavo dzinenge dzichirwisana pachadzo pamwe dzichivapa mhosva pamwe dzichivareverera
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
Shona 2009?
nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
Shona SUB 2002 Bible
nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)