Romans 2:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe unoti munhu arege kuita ʋupombge, unoitireiko ʋupombge iwe? Iwe unosema ɀifananidzo, unoɓireiko iwe tembere dzaʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana iwe uchiti munhu haafaniri kuita upombwe ndiwe woita upombwe here? Iwe unovenga zvifananidzo ndiwe wondopamba zviri mumaTemberi here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo?
Shona 2009?
Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?
Shona SUB 2002 Bible
Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo?