Romans 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;
Shona 2009?
Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kokutonga kwakarurama kwaMwari;
Shona SUB 2002 Bible
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;