Romans 3:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tinoziʋa kuti ɀose ɀinorebga nomurairo, uno ɀi taura kunaʋose ʋari pasi pomurairo; kuti miromo yose idziʋirwe, nenyika yose iʋe nemhoȿa pamberi paMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
Shona 2009?
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurairo, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.