Romans 3:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoshayira mhosva vaya vanotenda muna Jesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
Shona 2009?
kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, uye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
Shona SUB 2002 Bible
kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.