Romans 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ɀokwaɗi yaMŋari yawanzwa nenhema dzaŋgu, iye akakudzwa naɀo, ko neni ʋo ndicatoŋgerwei somutadzi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi?
Shona 2009?
Zvino kana chokwadi chaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko nenivo ndichatongerwei somutadzi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi?