Romans 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ticaregereiko kutaura (seɀatinopomerwa, ʋuye seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti tinoɗaro), ticiti: Ŋgatiite ɀakaipa, kuti ɀakanaka ɀiɓuɗe’po? Kutoŋgwa kwaʋo kwakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.
Shona 2009?
Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.