Romans 4:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
wakapiwa ciratidzo cokudziŋgiswa, kuti ciʋe cisimbiso cokururama kwokutenda, kwaakaŋga ana’ko asati adziŋgiswa; kuti aʋe ɓaɓa ʋaʋose ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kudziŋgiswa, kuti ʋagonzi ʋakarurama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzingiswa somucherechedzo unosimbisisa kuti mururami. Ururami ihwohwo akahuwana nechitendero asati adzingiswa. Chinangwa chaiva chokumuita baba wavose vanotenda vasina kudzingiswa vakanziwo vakarurama nenzira iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
Shona 2009?
wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kokutenda, kwaakanga ana'ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
Shona SUB 2002 Bible
akapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyangwe vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;