Romans 4:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aʋe ɓaɓa ʋokudziŋgiswa kunaiʋo ʋasina‐kudziŋgiswa ɓedzi, asi ʋanofamba ʋo mumakwara okutenda kwaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, kwaʋaiʋa nako ʋasati ʋadziŋgiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndiyewo baba wavakadzingiswa, avo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwakanga kuna baba vedu Abhurahama vasati vadzingiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nenzira imwecheteyo akave baba wavakadzingiswa vasina kungodzingiswa chete asi vanotevedzerawo muenzaniso wechitendero chaiva nababa vedu Abhurahamu asati adzingiswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ave baba vokudzingiswa kuna ivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
Shona 2009?
ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambavo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
Shona SUB 2002 Bible
ave baba vokudzingiswa kuna ivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.