Romans 4:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti cipikirwa cokuti ucaʋa mugari wenhaka yenyika hacina‐kupiwa Abrahama kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Abhurahama nezvizvarwa zvake haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda.
Shona 2009?
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kokutenda.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.