Romans 4:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɗai ʋomurairo ʋari ʋagari ʋenhaka, kutenda hakunamaturo, necipikirwa cinokoneswa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi dai kuri kuti ndavavo vanotevedza zviri pamutemo vaizogara nhaka iyoyo, pakadaro chitendero hachina maturo uye chitsidzo chinobva chashaya basa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti dai vomurayiro vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa;
Shona 2009?
Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa;