Romans 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀinoreʋa ʋo Davidi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMŋari wakarurama, kunze kwamaɓasa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Dhavhidhi anoti akakomborerwa zvake munhu anonzi naMwari akarurama iye asina mabasa aakaita achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa,
Shona 2009?
Sezvinorevavo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,
Shona SUB 2002 Bible
Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa,