Romans 4:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kuropafadzwa uku ndokwaʋakadziŋgiswa, kana kwaʋasina‐kudziŋgiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbrahama kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikomborero ichi chinonzi ndechavakadzingiswa chete here kana kuti ndechavasina kudzingiswawo? Tamboti chitendero chaAbhurahamu chakaita kuti anzi akarurama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasinakudzingiswa here? Nokuti tinoti, kuna Abhurahamu, “Kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.”
Shona 2009?
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kuna Abhurahamu, “Kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.”