Romans 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye cipo hacifanani ne ɀiʋi ɀomunhu mumŋe wakatadza; nokuti kutoŋga kwakaʋuya nomunhu mumŋe kuti ʋa piwe mhoȿa; asi cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya nokuɗarika kuzhinji, kuti ʋa ruramisirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kushayirwa mhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.
Shona 2009?
uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.
Shona SUB 2002 Bible
Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.