Romans 5:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana nokuɗarika kwomumŋe rufu rwakaɓata ʋushe nomunhu uyu mumŋe; ɀikuru aʋo, ʋakapiwa kuwanda kwenyasha nokwecipo cokururama, ʋacaɓata ʋushe paʋupenyu nomumŋe, iye Jesu Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
Shona 2009?
Nokuti kana nokudarika komumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.