Romans 5:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murairo wakapinda ʋo kuti kuɗarika kuwande; ɀino ɀiʋi paɀakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuʋurisa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murayiro wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa;
Shona 2009?
Murairo wakapindavo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa;
Shona SUB 2002 Bible
Murairo wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa;