Romans 6:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ticati yiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiȿa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurayiro here, asi pasi penyasha? Haisva!
Shona 2009?
Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haisva!