Romans 6:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama?
Shona 2009?
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuteerera kunoisa kukururama?
Shona SUB 2002 Bible
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama?