Romans 6:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva.
Shona 2009?
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuvo tifambe novupenyu bwutsva.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe noupenyu hutsva.