Romans 7:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuziʋi here, hama dzaŋgu, (nokuti ndinotaura naʋanhu ʋanoziʋa murairo), kuti murairo unoɓata munhu ŋguʋa yose yoʋupenyu bgake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivi here hama dzangu, apa ndiri kutaura kuna vavo vanoziva mutemo, kuti mutemo unosunga munhu chete panguva youpenyu hwake?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murayiro), kuti murayiro unobata munhu nguva yose youpenyu hwake?
Shona 2009?
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?
Shona SUB 2002 Bible
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose youpenyu hwake?