Romans 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka, hama dzaŋgu nemi ʋo makaitwa ʋakafa kumurairo nomuʋiri waKristu; kuti muʋe womumŋe, iye wakamutswa paʋakafa, kuti tiɓerekere Mŋari ɀiɓereko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurayiro nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
Shona 2009?
Saka, hama dzangu nemivo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
Shona SUB 2002 Bible
Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.