Romans 7:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino takasunuŋgurwa pamurairo, takafa kunaiɀoɀo ɀatakaŋga takasuŋgwa naɀo; naiɀoɀo tinoɓatira Mŋari nomŋeya mutȿa, tisiŋgaɓatiri neɀakanyorwa ɀakare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino takasunungurwa pamurayiro, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
Shona 2009?
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.