Romans 8:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye.
Shona 2009?
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwavo pamwe chete naye.
Shona SUB 2002 Bible
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye.