Romans 8:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
Shona 2009?
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuvo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa komuviri wedu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuwo, kunyangwe tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.