Romans 8:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaakaziʋa kare, ndiʋo ʋaakatemera ʋo kare, kuti ʋafanane nomufananidzo woMŋanakomana wake, kuti aʋe ɗaŋgwe pakati pehama zhinji;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;
Shona 2009?
Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemeravo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vaakafanoziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;