Romans 8:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama;
Shona 2009?
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama;