Romans 8:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi hamuzi munyama, asi mumŋeya, kana Mŋeya waMŋari acigara ɀirokwaɀo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMŋeya waKristu, haazi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu. Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake.
Shona 2009?
Asi imwi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake.