Romans 9:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?”
Shona 2009?
Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?”