Romans 9:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?”
Shona 2009?
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?
Shona SUB 2002 Bible
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kuno akachiumba, “Wandiitireiko kudai?”