Romans 9:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti, “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvaanorevawo mubhuku yaHosea, achiti, “Avo vakanga vasi vanhu vangu, ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’ Naiye akanga asi mudikanwi, ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’
Shona 2009?
Sezvaanorevavo pabhuku yaHosiya, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikamwa, ndichamuidza mudikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvaanorevawo muBhuku yaHosiya, achiti, “Avo vakanga vasi vanhu vangu, ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’ Naiye akanga asi mudikanwi, ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’