Romans 9:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti, “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti, “Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaIsaya anodana pamusoro pavaIsiraeri, achiti, “Kana kuwanda kwavana vaIsiraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa;
Shona 2009?
NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
Shona SUB 2002 Bible
NaIsaya anodana pamusoro paVaIsiraeri, achiti, “Kana kuwanda kwavana VaIsiraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa;