Ruth 1:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo iʋaʋo ʋaʋiri ʋakafamba kuȿikira paBeti‐rehemi. Ɀino ʋakati ʋaciȿika paBeti‐rehemi, guta rose rikashamiswa pamsoro paʋo; ʋakadzi ʋakati: Uyu ndiye Naome here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?”
Shona 2009?
Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, "Uyu ndiye Naomi here?"
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBhetirehemu. Zvino vakati vachisvika paBhetirehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?”