Ruth 1:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Regai kundiidza Naome, asi mundiidze Mara, nokuti Wamasimba‐ose wakandiitira ɀinoʋaʋa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.
Shona 2009?
Akati kwavari, "Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Regai kundidaidza kuti Naomi, asi mundidaidza kuti Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.