Ruth 2:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akawira pasi neciso cake, akakotamira pasi, akati kwaari: Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muʋe nehanya neni, ɀandiri mutorwa haŋgu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?”
Shona 2009?
Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, "Ndanzwirwa nyasha nemwi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?”