Ruth 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
Shona 2009?
Bhowasi akapindura akati kwaari, "Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa komurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
Shona SUB 2002 Bible
Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.