Ruth 2:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yokudya Boazi akati kwaari: Ʋuya pano, udye ciŋgwa, useʋere musuʋa wako muvinega. Iye akagara naʋaceki, iʋo ʋakamugamucidza ɀiyo ɀakakaŋgwa, akadya, akaguta, akasiya ɀimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.” Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Iye akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.
Shona 2009?
Nenguva yokudya Bhowasi akati kwaari, "Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga." Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.