Ruth 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋamŋene ʋake ʋakati kwaari: Wandoʋuŋganidzepiko nhasi? Wandoɓate‐ɓasa kupiko? Iye wakaʋa nehanya newe ŋgaaropafadzwe. Akaʋudza ʋamŋene ʋake kuti wakandoɓate‐ɓasa kunani, akati: Zita romurume wandakandoɓata kwaari nhasi ndiBoazi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.” Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwene vake vakati kwaari, “Wafuhwa kupiko nhasi? Waita basa kupi? Ndiani zvake akucheukawo iyeyo?” Akataurira vamwene vake kuti ndokwavani kwaakanga ashanda. Akati, “Zita romurume wokwandashanda nhasi ndiBhoazi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vamwene vake vakati kwaari, “Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.” Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, “Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi.”
Shona 2009?
Ipapo vamwene vake vakati kwaari, "Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe. " Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, "Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhowasi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vamwene vake vakati kwaari, “Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.” Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kuna ani, akati, “Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi.”