Ruth 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naome akati kumukadzi womŋana wake: Ŋgaaropafadzwe naJehova, iye usina‐kubvisa ŋgoni dzake kuʋapenyu naʋakafa. Naome akati kwaari: Murume uyu ihama yeɗu yomumba, mumŋe waʋadzikinuri ʋeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akati, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naomi akati kumuroora wake, “Tenzi ane mwoyochena usingaperi kuvapenyu kana vakafa, ngaakomborere murume iyeyo!” Naomi akatiwo, “Mufungeka murume iyeyo ihama yedu chaiyo yepedyo, mugariwo wedzinhaka dzomumusha medu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naomi akati kumukadzi womwana wake, “Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa.” Naomi akati kwaari, “Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikinuri vedu.”
Shona 2009?
Naomi akati kumukadzi womwana wake, "Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa." Naomi akati kwaari, "Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikunuri vedu."
Shona SUB 2002 Bible
Naomi akati kumukadzi womwana wake, “Ngaaropafadzwe naJehovha, iye asina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa.” Naomi akati kwaari, “Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikinuri vedu.”