Ruth 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaenda, akandoʋuŋganidza pamunda aciteʋera ʋaceki; akaʋa neropa rakanaka kuti wakaȿika pamunda waBoazi weimba yaErimereki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki.
Shona 2009?
Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhowasi weimba yaErimereki.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi wemba yaErimereki.