Ruth 2:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Boazi akati kumuranda wake wakaŋga ari mutariri waʋaceki: Musikana uyu ndowaniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndowani?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?”
Shona 2009?
Bhowasi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, "Musikana uyu ndowaaniko?"
Shona SUB 2002 Bible
Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?”