Ruth 2:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Meso ako ŋgaarambe acitarira munda waʋanoceka, newe uʋateʋere; ndakaraira majaya aŋgu kuti ʋarege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.”
Shona 2009?
Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, umwe mvura yakatekwa namajaya."
Shona SUB 2002 Bible
Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.”