Ruth 3:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaʋata patsoka dzake kuȿikira maŋgwanani, akamuka ʋanhu ʋacigere kunatso‐ʋona. Nokuti wakati: Ŋgaɀirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakaʋuya paɓuriro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akarara kumakumbo ake kusvikira mangwanani, asi akamuka mambakwedza pasina aigona kuzivikanwa kuti ndiani; uye Bhoazi akati, “Usaita kuti zvizivikanwe kuti pane mukadzi akauya paburiro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka iye akarara zvake kumakumbo kwake kusvikira mangwanani. Asi akamuka nguva yokuti hawainyatsoziva kuti munhu wauri kuona ndiani nokuti Bhoazi akanga asingade kuti zvizikanwe kuti pane mukadzi akasvika paburiro usiku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, “Ngazvirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.”
Shona 2009?
Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, "Ngazvirege kuzikamwa, kuti mukadzi wakauya paburiro."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, “Ngazvirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.”