Ruth 3:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati: Cigara hako, mŋana waŋgu, kuȿikira waʋona mugumo weshoko iri; nokuti murume uyu haaŋgazorori kuȿikira apedza shoko iri nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Naomi akati, “Chimira, mwanasikana wangu, kusvikira waona zvinoitika. Nokuti murume uyu haangazorori kusvikira agadzirisa nyaya iyi nhasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Chimira zvako mwanangu kusvikira waona kuti nyaya iyoyi ichasvika papi nokuti murume iyeyu haasiri kuzogara pasi asi achatoigadzirisa chete iye nhasi uno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati, “Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.”
Shona 2009?
Zvino vakati, "Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati, “Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.”