Ruth 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, mwoyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.
Shona 2009?
Zvino Bhowasi wakati apedza kudya nokumwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, mwoyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.