Ruth 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Boazi wakakwira kusuʋo, akagara pasi’po; hama yomumba yakaŋga yarebga naBoazi, ndokupfuʋura napo; akati kwaari: Nhai’we, tsaukira ʋuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhoazi akaenda kusuo guru reguta akasvikogara zvake pasi. Sezvineiwo hama yepedyo muridzi wenhaka uya akambotaurwa naBhoazi ndiye vhu achipfuura zvake nepo. Bhoazi akamuti, “Chimbotsaukira nepano apa, umbogara apa.” Murume uyu akatsaukirapo ndokugara pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bhoazi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhoazi, ndokupfuura napo; akati kwaari, “Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi.” Iye akatsauka, akagara pasi.
Shona 2009?
Zvino Bhowasi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhowasi, ndokupfuura napo; akati kwaari, "Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi." Iye akatsauka, akagara pasi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bhoazi wakakwira kusuwo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhoazi, ndokupfuura napo; akati kwaari, “Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi.” Iye akatsauka, akagara pasi.