Ruth 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucaʋa kwauri muraramisi woʋupenyu, nomuriritiri woʋucembere bgako; nokuti mukadzi womŋana wako uyu, unokuɗa, unopfuʋura ʋanakomana ʋanomŋe kwauri, ndiye wakamuɓereka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.”
Shona 2009?
Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka."
Shona SUB 2002 Bible
Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.”