Ruth 4:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Boazi akati: Zuʋa iro raunoteŋga munda uyo kunaNaome, unofanira kuuteŋga ʋo kunaRute muMoabi, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhoazi ndokuti, “Musi waunotenga munda iwoyo kuna Naomi ndiwe unenge wotogara nhaka Rute muMoabhu chirikadzi yomufi kuti umutsiridze zita romufi panhaka yake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bhoazi akati, “Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.”
Shona 2009?
Zvino Bhowasi akati, "Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bhoazi akati, “Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.”