Ruth 4:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hama iyo yomumba ikati: Handigoni kuɀidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yaŋgu; citora hako iwe simba raŋgu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hama iyo yomumba ikati, “Handigoni kuzvidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.”
Shona 2009?
Hama iyo yomumba ikati, "Handigoni kuzvidzikunurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikunura, nokuti ini handigoni kuudzikunura."
Shona SUB 2002 Bible
Hama iyo yomumba ikati, “Handigoni kuzvidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.”