Song of Solomon 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musanditarira, ɀandakaȿiɓa, Nokuti zuʋa rakandipisa. Ʋanakomana ʋamai ʋaŋgu ʋakanditsamŋira, Ʋakandiita murindi weminda yemizambiriŋga; Asi munda waŋgu wemizambiriŋga handina‐kuuceŋgeta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musatarise zvenyu kusviba kwandakaita izuva iri rakanditsvukurutsa kudai. Hanzvadzi dzangu dzomumba dzakandiitira zvehasha; dzakandiita muchengeti weminda yamagirepisi. Asi munda wangu wamagirepisi handina kuuchengeta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemidzambiringa; Asi munda wangu wemidzambiringa handina kuuchengeta.
Shona 2009?
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
Shona SUB 2002 Bible
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.