Song of Solomon 1:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiʋudze iwe, unoɗikanwa nomŋeya waŋgu, Kuti unofudza ɓoka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndicaitirei somunhu wakafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamŋari dzako?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiudzewo mudiwa wangu wapamwoyo, unofudzirepiko zvipfuwo zvako? Unozvizorodza kupi pamasikati makuru? Usandirege ndichingodzungaira, ndichitevedza namatanga avamwe vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
Shona 2009?
Ndiudze iwe, unodikamwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
Shona SUB 2002 Bible
Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?